Leviticus 2

Chipiriso cheZviyo

1“ ‘Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipiriso chezviyo, chipiriso chake chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka. Anofanira kudira mafuta pachiri agoisa zvinonhuhwira pamusoro pacho, 2agoenda nacho kuvanakomana vaAroni vaprista. Muprista achatora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira, agozvipisa sechikamu chechirangaridzo paaritari. Chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 3Zvimwe zvose zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.

4“ ‘Kana ukauya nechipiriso chezviyo zvakabikwa muchitofu chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka: makeke anenge aitwa asina mbiriso uye akasanganiswa namafuta kana kuti makeke matete asina mbiriso akazorwa mafuta. 5Kana chipiriso chako chezviyo chagadzirirwa mugango, chinofanira kugadzirwa noupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta pasina mbiriso. 6Unofanira kuchipfupfunyura ugodira mafuta pachiri; ichi chipiriso chezviyo. 7Kana chipiriso chako chezviyo chakabikwa mugango chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka namafuta. 8Uuye nechipiriso chezviyo chakaitwa nezvinhu izvi kuna Jehovha, ugochipa kumuprista achachiendesa kuaritari. 9Muprista achatora kubva muchipiriso chezviyo chikamu chechirangaridzo agochipisa paaritari sechipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 10Zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.

11“ ‘Zvipiriso zvose zvezviyo zvamunouya nazvo kuna Jehovha zvinofanira kugadzirwa pasina mbiriso nokuti hamufaniri kupisa chero mbiriso kana uchi muchipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 12Munokwanisa kuzviuyisa kuna Jehovha sechipiriso chezvirimwa zvamunotanga kukohwa asi hazvifaniri kuuyiswa paaritari somunhuwi unonhuhwira zvinofadza. 13Rungai zvipiriso zvenyu zvose zvezviyo nomunyu. Musasiya munyu wesungano yaMwari wenyu pazvipiriso zvenyu zvose zvezviyo; muise munyu muzvipiriso zvenyu zvose zvezviyo.

14“ ‘Kana uchiuyisa chipiriso chezviyo zvokutanga kuna Jehovha upe hura dzezviyo zvitsva zvakakangwa pamoto uye zvakakuyiwa. 15Uise mafuta nezvinonhuhwira pazviri, chipiriso chezviyo. 16Muprista achapisa chikamu chechirangaridzo chezviyo zvakakuyiwa, namafuta, pamwe chete nezvose zvinonhuhwira, sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

Copyright information for SnaBDSC